Joshua 11:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Joshua akakunda ʋo maguta ose amadzimambo iwayo, namadzimambo awo ose, akaʋaʋuraya neminondo inopinza, akaʋaparadza cose; seɀakaŋga ɀarairwa naMosesi muranda waJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Joshua akakunda maguta oumambo ose aya namadzimambo awo ndokuvauraya nomunondo. Akavaparadza zvachose, sezvakanga zvarayirwa naMozisi muranda waJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Joshuwa akakurira maguta ose iwayo namadzimambo awo akava mumaoko ake, akaaparadza namapakatwa zvokusambosiya kana chinhu, sezvaakanga anzi aite naMosesi muranda waTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Joshua akakundawo maguta ose amadzimambo iwayo, namadzimambo awo ose, akavauraya neminondo inopinza, akavaparadza chose; sezvakanga zvarairwa naMosesi muranda waJehovha.
Shona 2009?
Joshua akakundawo maguta ose amadzimambo iwayo, namadzimambo awo ose, akavauraya neminondo inopinza, akavaparadza chose; sezvakanga zvarairwa naMozisi muranda waJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Joshua akakundawo maguta ose amadzimambo iwayo, namadzimambo awo ose, akavauraya neminondo inopinza, akavaparadza chose; sezvakanga zvarairwa naMosesi muranda waJehovha.