Joshua 11:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋana ʋaIsraeri ʋakatapa ɀose ɀaʋakapamba ɀamaguta iwayo, neŋombe; asi ʋakaʋuraya ʋarume ʋose neminondo inopinza, kuȿikira ʋaʋaparadza; haʋana‐kusiya kunyaŋge necinhu cimŋe cete cinofema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaIsraeri vakatakura zvose zvavakapamba nezvipfuwo zvamaguta iwaya, asi vakaparadza zvachose vanhu vose, vakasasiya kana mumwe aifema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri vakatora zvipfuwo nezvinhu zvose zvaiva mumaguta iwayo, zvavakanga vapamba. Asi wose ainzi munhu vakauraya namapakatwa vakavaparadza kusiya pasisina kana mupenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vana vaIsiraeri vakatapa zvose zvavakapamba zvamaguta iwayo, nemombe; asi vakauraya varume vose neminondo inopinza, kusvikira vavaparadza; havana kusiya kunyange nechinhu chimwe chete chinofema.
Shona 2009?
Vana vaIsiraeri vakatapa zvose zvavakapamba zvamaguta iwayo, nemombe; asi vakauraya varume vose neminondo inopinza, kusvikira vavaparadza; havana kusiya kunyange nechinhu chimwe chete chinofema.
Shona SUB 2002 Bible
Vana VaIsiraeri vakatapa zvose zvavakapamba zvamaguta iwayo, nemombe; asi vakauraya varume vose neminondo inopinza, kusvikira vavaparadza; havana kusiya kunyangwe nechinhu chimwechete chinofema.