Joshua 11:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi muranda wake naJehova, ndiɀo Mosesi ɀaakaraira Joshua; Joshua akaita saiɀoɀo, haana‐kusiya cinhu cimŋe cete paɀose ɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sezvakanga zvarayirwa Mozisi muranda wake naJehovha, saizvozvo Mozisi akarayira Joshua, uye Joshua akazviita; hapana chaakasiya chisina kuitwa pane zvose zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi sokuudza kwaakanga aita Mosesi muranda wake, Mosesi akataurirawo Joshuwa, Joshuwa ndokuitawo saizvozvo. Haana kana chaakasiyidzira pane zvose zvakaudzwa Mosesi naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Sezvakanga zvarairwa Mosesi muranda wake naJehovha, ndizvo Mosesi zvaakaraira Joshua; Joshua akaita saizvozvo, haana kusiya chinhu chimwe chete pazvose zvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.
Shona 2009?
Sezvakanga zvarairwa Mozisi muranda wake naJehovha, ndizvo Mozisi zvaakaraira Joshua; Joshua akaita saizvozvo, haana kusiya chinhu chimwe chete pazvose zvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Sezvakanga zvarairwa Mosesi muranda wake naJehovha, ndizvo Mosesi zvaakaraira Joshua; Joshua akaita saizvozvo, haana kusiya chinhu chimwechete pazvose zvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.