Joshua 11:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Jehova ndiye wakawomesa mŋoyo yaʋo, kuti ʋarwe naʋaIsraeri, kuti aʋaparadze cose, ʋarege kunzwirwa tsitsi; asi aʋaparadze, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti Jehovha ndiye akaomesa mwoyo yavo kuti varwe navaIsraeri, kuti vavaparadze zvachose, vavaparadze pasina kunzwira tsitsi, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chaivadariso ndechokuti Tenzi ndiye aivakonzera kuomesa musoro kuti vaende kundorwisa vaIsiraeri achiitira kuti vanhu ivavo vabve vanyatsoparadzwa uye kuti varege kunzwirwa tsitsi, asi kutoti vatsakatiswe sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Jehovha ndiye wakaomesa mwoyo yavo, kuti varwe navaIsiraeri, kuti avaparadze chose, varege kunzwirwa tsitsi; asi avaparadze, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.
Shona 2009?
Nokuti Jehovha ndiye wakaomesa moyo yavo, kuti varwe navaIsiraeri, kuti avaparadze chose, varege kunzwirwa tsitsi; asi avaparadze, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Jehovha ndiye wakaomesa mwoyo yavo, kuti varwe naVaIsiraeri, kuti avaparadze chose, varege kunzwirwa tsitsi; asi avaparadze, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.