Joshua 11:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Joshua akakunda saiɀoɀo nyika yose seɀose ɀakaʋudzwa Mosesi naJehova; Joshua akaipa ʋana ʋaIsraeri, kuti iʋe nhaka yaʋo, seɀaʋakaŋga ʋakamurwa namarudzi aʋo. Nyika ikazorora pakurwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo Joshua akatora nyika yose, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha, uye akaipa kuvaIsraeri kuti ive nhaka yavo zvichienderana namarudzi avo. Ipapo nyika yakazorora pakurwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndokutora kwakaita Joshuwa nyika yose sokutaura kwakanga kwaita Tenzi kuna Mosesi. Joshuwa akaipa kuvaIsiraeri senhaka yavo maererano namadzinza avo. Nyika ndokubva yazorora hondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Joshua akakunda saizvozvo nyika yose sezvose zvakaudzwa Mosesi naJehovha; Joshua akaipa vana vaIsiraeri, kuti ive nhaka yavo, sezvavakanga vakamurwa namarudzi avo. Nyika ikazorora pakurwa.
Shona 2009?
Joshua akakunda saizvozvo nyika yose sezvose zvakaudzwa Mozisi naJehovha; Joshua akaipa vana vaIsiraeri, kuti ive nhaka yavo, sezvavakanga vakamurwa namarudzi avo. Nyika ikazorora pakurwa.
Shona SUB 2002 Bible
Joshua akakunda saizvozvo nyika yose sezvose zvakaudzwa Mosesi naJehovha; Joshua akaipa vana VaIsiraeri, kuti ive nhaka yavo, sezvavakanga vakamurwa namarudzi avo. Nyika ikazorora pakurwa.