Joshua 11:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akati kunaJoshua: Usaʋatya, nokuti maŋgwana neŋguʋa ino ndicaʋaisa ʋose mumaʋoko ako, ʋaʋurawe pamberi paʋaIsraeri; unofanira kugura marunda amakumbo amabiza aʋo, nokupisa ŋgoro dzaʋo nomŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati kuna Joshua, “Usavatya nokuti mangwana nguva ino ndichavaisa vose vakatofa mumaoko avaIsraeri. Munofanira kutema marunda amakumbo amabhiza avo nokupisa ngoro dzavo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akati kuna Joshuwa, “Usavatye nokuti mangwana panguva idzo dzino idzi ndinenge ndatovaisa mumaoko avaIsiraeri, vanenge vatofa. Munofanira kutema mabhiza avo matatira, muroromese nomoto ngoro dzavo dzehondo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Usavatya, nokuti mangwana nenguva ino ndichavaisa vose mumaoko ako, vaurawe pamberi pavaIsiraeri; unofanira kugura marunda amakumbo amabhiza avo, nokupisa ngoro dzavo nomoto.”
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kuna Joshua, "Usavatya, nokuti mangwana nenguva ino ndichavaisa vose mumaoko ako, vaurawe pamberi pavaIsiraeri; unofanira kugura marunda amakumbo amabhiza avo, nokupisa ngoro dzavo nomoto."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Usavatya, nokuti mangwana nenguva ino ndichavaisa vose mumaoko ako, vauraiwe pamberi paVaIsiraeri; unofanira kugura marunda amakumbo amabhiza avo, nokupisa ngoro dzavo nomoto.”