Joshua 11:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akaʋaisa mumaʋoko aʋaIsraeri, ʋakaʋaparadza nokuʋadziŋga kuȿikira paguta guru Zidoni, nokuȿikira Misrefoti‐maimi, nokuȿikira kumupata weMizpe kumabvazuʋa; ʋakaʋaʋuraya kuȿikira ʋasina‐kusiya kunyaŋge nomumŋe cete.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye Jehovha akavaisa mumaoko avaIsraeri. Vakavakunda vakavadzinganisa kusvikira kuGuta reSidhoni, nokuMisirefoti Maimi, nokuMupata weMizipa kumabvazuva, kusvikira pasisina mupenyu akasara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akavaisa mumaoko avaIsiraeri. VaIsiraeri vakavauraya vakadzingirirana navo kudzamara vatopinda muguta reSidhoni nomuguta reMisirefotimaimu nokusvikira kubani reMizipa kumabvazuva. Vakavauraya zvokuti hapana kusara kana munhu mumwechete zvake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akavaisa mumaoko avaIsiraeri, vakavaparadza nokuvadzinga kusvikira paguta guru Zidhoni, nokusvikira Misirefoti‐maimi, nokusvikira kumupata weMizipe kumabvazuva; vakavauraya kusvikira vasina kusiya kunyange nomumwe chete.
Shona 2009?
Jehovha akavaisa mumaoko avaIsiraeri, vakavaparadza nokuvadzinga kusvikira paguta guru Zidhoni, nokusvikira Misirefoti-maimi, nokusvikira kumupata weMizipe kumabvazuva; vakavauraya kusvikira vasina kusiya kunyange nomumwe chete.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akavaisa mumaoko aVaIsiraeri, vakavaparadza nokuvadzinga kusvikira paguta guru Zidhoni, nokusvikira Misirefoti–maimi, nokusvikira kumupata weMizipe kumabvazuva; vakavauraya kusvikira vasina kusiya kunyangwe nomumwechete.