Joshua 12:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiwo madzimambo enyika akakundwa naʋana ʋaIsraeri, ʋaʋakatorera nyika yaʋo mhiri kwaJoridani kumabvazuʋa, kubva pamupata weArnoni kuȿikira pagomo reHermoni, nerenje rose riri kumabvazuʋa:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa navaIsraeri uye nenyika yavo yavakatora kumabvazuva eJorodhani, kubva kuMupata weAnoni kusvikira kuGomo reHemoni, zvichisanganisira divi rose rokumabvazuva eArabha:
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Aya ndiwo madzimambo enyika iyi akakurirwa navaIsiraeri vakavatorera nyika yawo vakaiita yavo kumhiri kwaJorodhani nechokumabvazuva, kutangira kubani raArinoni kusvikira kugomo reHerimoni nekwose kuArabha nechokumabvazuva:
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndiwo madzimambo enyika akakundwa navana vaIsiraeri, vavakatorera nyika yavo mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, kubva pamupata weArinoni kusvikira pagomo reHerimoni, nerenje rose riri kumabvazuva:
Shona 2009?
Ndiwo madzimambo enyika akakundwa navana vaIsiraeri, vavakatorera nyika yavo mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, kubva pamupata weArinoni kusvikira pagomo reHerimoni, nerenje rose riri kumabvazuva:
Shona SUB 2002 Bible
Ndiwo madzimambo enyika akakundwa navana VaIsiraeri, vavakatorera nyika yavo mhiri kwaJodhani kumabvazuva, kubva pamupata weArinoni kusvikira pagomo reHerimoni, nerenje rose riri kumabvazuva: