Joshua 12:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi muranda waJehova, naʋana ʋaIsraeri ʋakaʋakunda; Mosesi muranda waJehova akaipa Rubeni, naʋaGadi, nehafu yorudzi rwaManase, kuti iʋe yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi, muranda waJehovha, navaIsraeri vakavakunda. Uye Mozisi muranda waJehovha akapa nyika yavo kurudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi norudzi rwehafu rwaManase kuti ive nhaka yavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi muranda waTenzi navaIsiraeri, vakakurira madzimambo iwayo, iye Mosesi muranda waTenzi ndokupa nyika yavo kuti ive yevedzinza rokwaRubheni nerokwaGhadhi nechikamu chapakati napakati chedzinza raManase.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi muranda waJehovha, navana vaIsiraeri vakavakunda; Mosesi muranda waJehovha akaipa Rubheni, navaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, kuti ive yavo.
Shona 2009?
Mozisi muranda waJehovha, navana vaIsiraeri vakavakunda; Mozisi muranda waJehovha akaipa Rubheni, navaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, kuti ive yavo.
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi muranda waJehovha, navana VaIsiraeri vakavakunda; Mosesi muranda waJehovha akaipa Rubheni, navaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, kuti ive yavo.