Joshua 12:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiwo madzimambo enyika iyo akakundwa naJoshua naʋana ʋaIsraeri mhiri kwaJoridani kumaʋirazuʋa, kubva paBaari‐gadi mumupata weRebanoni, kuȿikira pagomo reHaraki rinokwira ricienda Seiri; Joshua akaipa marudzi aʋaIsraeri seɀaʋakaŋga ʋakamurirwa, kuti iʋe yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa naJoshua navaIsraeri kurutivi rwokumavirazuva eJorodhani, kubva paBhaari Gadhi muMupata weRebhanoni kusvikira kuGomo reHaraki, rakakwirira richienda kuSeiri (nyika dzavo Joshua akadzipa kumarudzi avaIsraeri kuti ive nhaka yavo zvichienderana namarudzi avo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akazokurirwa naJoshuwa navaIsiraeri kumadokero kumhiri kwaJorodhani, kubvira kuBhaarigadhi mubani reRebhanoni kusvikira kugomo reHaraku rinokwira rakananga kuSeiri. (Joshuwa akapa nyika yemadzimambo iwayo kumadzinza avaIsiraeri somugove wavo wenhaka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndiwo madzimambo enyika iyo akakundwa naJoshua navana vaIsiraeri mhiri kwaJorodhani kumavirazuva, kubva paBhaari‐gadhi mumupata weRebhanoni, kusvikira pagomo reHaraki rinokwira richienda Seiri; Joshua akaipa marudzi avaIsiraeri sezvavakanga vakamurirwa, kuti ive yavo.
Shona 2009?
Ndiwo madzimambo enyika iyo akakundwa naJoshua navana vaIsiraeri mhiri kwaJorodhani kumavirazuva, kubva paBhaari-gadhi mumupata weRebhanoni, kusvikira pagomo reHaraki rinokwira richienda Seiri; Joshua akaipa marudzi avaIsiraeri sezvavakanga vakamurirwa, kuti ive yavo.
Shona SUB 2002 Bible
Ndiwo madzimambo enyika iyo akakundwa naJoshua navana VaIsiraeri mhiri kwaJodhani kumavirazuva, kubva paBhaari–gadhi mumupata weRebhanoni, kusvikira pagomo reHaraki rinokwira richienda Seiri; Joshua akaipa marudzi aVaIsiraeri sezvavakanga vakamurirwa, kuti ive yavo.