Joshua 13:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Joshua wakaŋga akwegura, aʋa namakore mazhinji; Jehova akati kwaari: Wakwegura, waʋa namakore mazhinji, dziciri’ko nyika zhinji dzinofanira kuʋa dzenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Joshua akati akwegura ava namakore mazhinji kwazvo, Jehovha akati kwaari, “Wakwegura kwazvo, uye kuchine nzvimbo zhinji dzinofanira kutorwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Joshuwa akanga akwegura zvokunyatsochemberawo, Tenzi ndokumutaurira achiti, “Wakwegura, makore ako oupenyu ayendedzana, asi kuchine nyika huru kwazvo yokutora kuti ive yenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Joshua wakanga akwegura, ava namakore mazhinji; Jehovha akati kwaari, “Wakwegura, wava namakore mazhinji, dzichiriko nyika zhinji dzinofanira kuva dzenyu.
Shona 2009?
Zvino Joshua wakanga akwegura, ava namakore mazhinji; Jehovha akati kwaari, "Wakwegura, wava namakore mazhinji, dzichiriko nyika zhinji dzinofanira kuva dzenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Joshua wakanga akwegura, ava namakore mazhinji; Jehovha akati kwaari, “Wakwegura, wava namakore mazhinji, dzichiriko nyika zhinji dzinofanira kuva dzenyu.