Joshua 13:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
noʋushe bgose bgaOgi paBashani, wakaŋga aciɓata ʋushe paAshtaroti neEdrei (ndiye wakaŋga asara paʋaRefaimi); nokuti ndiʋo ʋakaŋga ʋakundwa naMosesi ʋakadziŋgwa naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
zvichireva umambo hwose hwaOgi muBhashani, akanga akambotonga muAshitaroti neEdherei uye akanga apunyuka akava mumwe wavakanga vasara pakati pavaRefaiti. Mozisi akanga avakunda akavatorera nyika yavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nyika yose zvayo yamambo Ogu kuBhashani aimbotonga Ashitaroti neEdhirei. (Iyeyu ndiye aiva hofori imwechete yechiRefaimu yakanga yasara.) Mosesi akakurira ivava akaavadzingamo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
noushe hwose hwaOgi paBhashani, wakanga achibata ushe paAshitaroti neEdhirei (ndiye wakanga asara pavaRefaimu); nokuti ndivo vakanga vakundwa naMosesi vakadzingwa naye.
Shona 2009?
noushe hwose hwaOgi paBhashani, wakanga achibata ushe paAshitaroti neEdhirei (ndiye wakanga asara pavaRefaimu); nokuti ndivo vakanga vakundwa naMozisi vakadzingwa naye.
Shona SUB 2002 Bible
noushe hwose hwaOgi paBhashani, wakanga achibata ushe paAshitaroti neEdhirei (ndiye wakanga asara pavaRefaimu); nokuti ndivo vakanga vakundwa naMosesi vakadzingwa naye.