Joshua 13:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi rudzi rwaʋaRevi ɓedzi haana‐kurupa nhaka; ɀipiriso ɀaJehova, Mŋari waIsraeri, ɀaipiswa, ndiɀo ɀaiʋa nhaka yaʋo, seɀaakataura naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kurudzi rwaRevhi haana kupa nhaka, sezvo zvipiriso zvaipiswa nomoto kuna Jehovha Mwari waIsraeri, zviri izvo nhaka yavo, sezvaakavavimbisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dzinza raRevhi chete ndiro risina kupiwa nhaka naMosesi nokuti mipiro inopirwa kuna Tenzi, Mwari waIsiraeri ichiita zvokupiswa nomoto ndiyo nhaka yaro sokuudzwa kwaakaitwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi rudzi rwavaRevhi bedzi haana kurupa nhaka; zvipiriso zvaJehovha, Mwari waIsiraeri, zvaipiswa, ndizvo zvaiva nhaka yavo, sezvaakataura naye.
Shona 2009?
Asi rudzi rwavaRevhichetehaana kurupa nhaka; zvipiriso zvaJehovha, Mwari waIsiraeri, zvaipiswa, ndizvo zvaiva nhaka yavo, sezvaakataura naye.
Shona SUB 2002 Bible
Asi rudzi rwavaRevhi bedzi haana kurupa nhaka; zvipiriso zvaJehovha, Mwari waIsiraeri, zvaipiswa, ndizvo zvaiva nhaka yavo, sezvaakataura naye.