Joshua 13:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
namaguta ose eɓani, noʋushe bgose bgaSihoni, mambo waʋaAmori, wakaŋga aciɓata ʋushe paHeshboni, wakaŋga akundwa naMosesi pamŋe cete naʋakuru ʋeMidiani, neEvi, neRekemi, neZuri, neHuri, neReba, namacinda aSihoni, akaŋga agere munyika iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
maguta ose ebani, noushe hwose hwaSihoni, mambo wavaAmori, akanga aitonga paHeshiboni. Mozisi akanga amuka pamwe chete namadzishe eMidhiani vaiti Evhi, Rekemu, Zuri, Huri, naRebha, machinda aibatsirana naSihoni, akanga agere munyika iyoyo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
zvichireva kuti maguta ose zvawo omunyika yakatunhumara, nenyika yose yaSihoni mambo wavaAmori aitonga kuHeshibhoni uya wokukundwa naMosesi pamwechete navatungamiriri vavaMidhiani vanaEvhi naRekemu naZuru naHuru naRebha, vakanga vari madzishe aiva pasi pamambo Sihoni, vachigara munyika iyoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
namaguta ose ebani, noushe hwose hwaSihoni, mambo wavaAmori, wakanga achibata ushe paHeshibhoni, wakanga akundwa naMosesi pamwechete navakuru veMidhiani, neEvhi, neRekemi, neZuri, neHuri, neRebha, namachinda aSihoni, akanga agere munyika iyo.
Shona 2009?
namaguta ose ebani, noushe hwose hwaSihoni, mambo wavaAmori, wakanga achibata ushe paHeshibhoni, wakanga akundwa naMozisi pamwechete navakuru veMidhiani, neEvhi, neRekemi, neZuri, neHuri, neRebha, namachinda aSihoni, akanga agere munyika iyo.
Shona SUB 2002 Bible
namaguta ose ebani, noushe hwose hwaSihoni, mambo waVaAmori, wakanga achibata ushe paHeshibhoni, wakanga akundwa naMosesi pamwechete navakuru veMidhiani, neEvhi, neRekemi, neZuri, neHuri, neRebha, namachinda aSihoni, akanga agere munyika iyo.