Joshua 13:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ƲaRubeni naʋaGadi ʋakapiwa nhaka yaʋo pamŋe cete naye, iyo yaʋakaŋga ʋapiwa naMosesi mhiri kwaJoridani kumabvazuʋa, seɀaʋakapiwa naMosesi, muranda waJehova;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Imwe hafu yaManase, navaRubheni navaGadhi, vakanga vagamuchira nhaka yavakanga vapiwa naMozisi kumabvazuva kweJorodhani, sokuvagovera kwaakanga aita, iye muranda waJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vedzinza raRubheni nerokwaGadhi nechimwe chikamu chevedzinza raManase, vanotova kare nenhaka yavo yavakapiwa naMosesi kumhiri kwaJorodhani kumabvazuva, sokupiwa kwavakaitwa naiye Mosesi muranda waTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
VaRubheni navaGadhi vakapiwa nhaka yavo pamwechete naye, iyo yavakanga vapiwa naMosesi mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, sezvavakapiwa naMosesi, muranda waJehovha;
Shona 2009?
VaRubheni navaGadhi vakapiwa nhaka yavo pamwechete naye, iyo yavakanga vapiwa naMozisi mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, sezvavakapiwa naMozisi, muranda waJehovha;
Shona SUB 2002 Bible
VaRubheni navaGadhi vakapiwa nhaka yavo pamwechete naye, iyo yavakanga vapiwa naMosesi mhiri kwaJodhani kumabvazuva, sezvavakapiwa naMosesi, muranda waJehovha;