Joshua 14:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀakaɗaro, nanhasi ndicinesimba seɀandakaŋga ndakaita nomusi wandakatumŋa naMosesi; seɀarakaŋga rakaita musi iwoyo, ndiɀo ɀakaita simba raŋgu nanhasi, kana rokurwa kana kuɓuɗa kana kupinda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichakangosimba nanhasi sezvandakanga ndakaita musi wandakatumwa naMozisi; ndichine simba guru rokuti ndinokwanisa kuenda kundorwa sezvandakanga ndakaita kare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kusimba kwandakanga ndakaita musi wandakatumwa naMosesi, ndokusimba kwandakaita pari nhasi uye simba rangu rokuenda kuhondo kundorwa richiripo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange zvakadaro, nanhasi ndichine simba sezvandakanga ndakaita nomusi wandakatumwa naMosesi; sezvarakanga rakaita musi iwoyo, ndizvo zvakaita simba rangu nanhasi, kana rokurwa kana kubuda kana kupinda.
Shona 2009?
Kunyange zvakadaro, nanhasi ndichine simba sezvandakanga ndakaita nomusi wandakatumwa naMozisi; sezvarakanga rakaita musi iwoyo, ndizvo zvakaita simba rangu nanhasi, kana rokurwa kana kubuda kana kupinda.
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe zvakadaro, nanhasi ndichine simba sezvandakanga ndakaita nomusi wandakatumwa naMosesi; sezvarakanga rakaita musi iwoyo, ndizvo zvakaita simba rangu nanhasi, kana rokurwa kana kubuda kana kupinda.