Joshua 14:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Zita reHebroni pakutaŋga rakaŋga riri Kiriati‐arba; iye Arba wakaŋga ari munhu mukuru pakati paʋaAnaki ʋose. Ipapo nyika ikazorora pakurwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
(Hebhuroni yaimbonzi Kiriati Abha ichibva pana Abha akanga ano mukurumbira pakati pavaAnaki vose.) Ipapo nyika yakazorora pakurwa hondo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hebhuroni iyi yaimbonzi Kiriatiaribha. Aribha iyeyu uyu aiva munhu mukuru kwazvo pavaAnakimu. Nyika ndokubva yazorora hondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zita reHebhuroni pakutanga rakanga riri Kiriati‐aribha; iye Aribha wakanga ari munhu mukuru pakati pavaAnaki vose. Ipapo nyika ikazorora pakurwa.
Shona 2009?
Zita reHebhuroni pakutanga rakanga riri Kiriati-aribha; iye Aribha wakanga ari munhu mukuru pakati pavaAnaki vose. Ipapo nyika ikazorora pakurwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zita reHebhuroni pakutanga rakanga riri Kiriati–aribha; iye Aribha wakanga ari munhu mukuru pakati pavaAnaki vose. Ipapo nyika ikazorora pakurwa.