Joshua 14:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋana ʋaJosefa ʋakaŋga ʋanamarudzi maʋiri, rwaManase norwaEfraimi; haʋana‐kupa ʋaRevi mugoʋe munyika iyo, asi maguta maʋaŋgagara, namafuro awo eŋombe dzaʋo nefuma yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
nokuti vana vaJosefa vakanga vava marudzi maviri rwaManase norwaEfuremu. VaRevhi havana kuwana mugove wenyika asi maguta okugara, namafuro amakwai avo nemombe dzavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chiripo ndechokuti vokwaJosefi vakave madzinza maviri anoti rokwaManase nerokwaEfuraimu, asi hapana nhaka yakagoverwa vaRevhi munyikamo. Vakangogoverwa chete maguta okugara nenharaunda dzawo dzokuisa zvinhu zvavo nokuita mafuro ezvipfuwo zvavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti vana vaJosefa vakanga vana marudzi maviri; rwaManase norwaEfuremu; havana kupa vaRevhi mugove munyika iyo, asi maguta mavangagara, namafuro awo emombe dzavo nepfuma yavo.
Shona 2009?
Nokuti vana vaJosefa vakanga vana marudzi maviri; rwaManase norwaEfuremu; havana kupa vaRevhi mugove munyika iyo, asi maguta mavangagara, namafuro awo emombe dzavo nefuma yavo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti vana vaJosefa vakanga vana marudzi maviri; rwaManase norwaEfuremu; havana kupa vaRevhi mugove munyika iyo, asi maguta mavangagara, namafuro awo emombe dzavo nepfuma yavo.