Joshua 14:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋana ʋaJuda ʋakasweɗera kunaJoshua paGirgari, Karebi mŋanakomana waJefune, muKenizi, akati kwaari: Unoziʋa shoko rakataurwa naJehova kunaMosesi munhu waMŋari, pamsoro paŋgu napamsoro pako, paKadeshi‐barnea.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vanhu veJudha vakaenda kuna Joshua paGirigari, uye Karebhu, mwanakomana waJefune muKenizi, akati kwaari, “Imi munoziva zvakataurwa naJehovha kuna Mozisi munhu waMwari, pamusoro pangu nemi, paKadheshi Bharinea.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vedzinza rokwaJudha vakauya kuna Joshuwa paGirigari. Karebhu mwanakomana waJefune muKenizi akataura nhuna dzake kwaari achiti, “Muchiri kuyeuka here zviya zvakataurwa naTenzi kuna Mosesi munhu waMwari kuKadheshibharinea, paakataura nezvangu uye nezvenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vana vaJudha vakaswedera kuna Joshua paGirigari, Karebhu mwanakomana waJefune, muKenizi, akati kwaari, “Unoziva shoko rakataurwa naJehovha kuna Mosesi munhu waMwari, pamusoro pangu napamusoro pako, paKadheshi‐bharinea.
Shona 2009?
Zvino vana vaJudha vakaswedera kuna Joshua paGirigari, Karebhu mwanakomana waJefune, muKenizi, akati kwaari, "Unoziva shoko rakataurwa naJehovha kuna Mozisi munhu waMwari, pamusoro pangu napamusoro pako, paKadheshi-bharinea.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vana vaJudha vakaswedera kuna Joshua paGirigari, Karebhu mwanakomana waJefune, muKenizi, akati kwaari, “Unoziva shoko rakataurwa naJehovha kuna Mosesi munhu waMwari, pamusoro pangu napamusoro pako, paKadheshi–bhania.