Joshua 14:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ini ndakaŋga ndaȿika makore anamakumi manna ŋguʋa yandakatumŋa naMosesi muranda waJehova paKadeshi‐barnea kundoshora nyika, ndikadzoka neshoko kwaari seɀandakafuŋga ini.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakanga ndava namakore makumi mana pandakatumwa naMozisi muranda waJehovha, paKadheshi Bharinea kundoshora nyika, uye ndakadzoka neshoko kwaari sezvandakafunga ini,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ini ndakanga ndichine makumi mana amakore pandakatumwa paya naMosesi kuzosora nyika ino ndichibva kuKadheshibharinea. Ndakadzoka ndikamuudza chaizvo zvandainzwa mumwoyo mangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ini ndakanga ndasvika makore ana makumi mana nguva yandakatumwa naMosesi muranda waJehovha paKadheshi‐bhanea kundoshora nyika, ndikadzoka neshoko kwaari sezvandakafunga ini.
Shona 2009?
Ini ndakanga ndasvika makore ana makumi mana nguva yandakatumwa naMozisi muranda waJehovha paKadheshi-bhanea kundoshora nyika, ndikadzoka neshoko kwaari sezvandakafunga ini.
Shona SUB 2002 Bible
Ini ndakanga ndasvika makore ana makumi mana nguva yandakatumwa naMosesi muranda waJehovha paKadheshi–bhania kundoshora nyika, ndikadzoka neshoko kwaari sezvandakafunga ini.