Joshua 14:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi akapika nomusi uyo, akati: Ɀirokwaɀo, nyika yakatsikwa norutsoka rwako, icaʋa nhaka yako neyaʋana ʋako nokusiŋgaperi, nokuti wakateʋera Jehova Mŋari waŋgu nomŋoyo wako wose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka pazuva iro Mozisi akapika kwandiri akati, ‘Nyika yose yauchafamba pairi netsoka dzako, ichava nhaka yako, navana vako nokusingaperi, nokuti wakatevera Jehovha Mwari wangu nomwoyo wako wose.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusi iwoyo Mosesi akapika nemhiko achiti, ‘Chokwadi nyika iyoyo yawakatsika norutsoka rwako ichava nhaka yako nezvizvarwa zvako narini narini nokuti iwe wakati kwati naTenzi, Mwari wangu.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi akapika nomusi uyo, akati, ‘Zvirokwazvo, nyika yakatsikwa norutsoka rwako, ichava nhaka yako neyavana vako nokusingaperi, nokuti wakatevera Jehovha Mwari wangu nomwoyo wako wose.’
Shona 2009?
Mozisi akapika nomusi uyo, akati, `Zvirokwazvo, nyika yakatsikwa norutsoka rwako, ichava nhaka yako neyavana vako nokusingaperi, nokuti wakatevera Jehovha Mwari wangu nomoyo wako wose.'
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi akapika nomusi uyo, akati, ‘Zvirokwazvo, nyika yakatsikwa norutsoka rwako, ichava nhaka yako neyavana vako nokusingaperi, nokuti wakatevera Jehovha Mwari wangu nomwoyo wako wose.’