Joshua 15:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi wakapa Karebi, mŋanakomana waJefune mugoʋe pakati paʋana ʋaJuda; seɀakarairwa Joshua naJehova, akamupa Kiriati‐arba; Arba wakaŋga ari ɓaɓa ʋaAnaki (ndiro Hebroni).
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Joshua akapa Karebhu mwanakomana weJefune mugove pakati pavana vaJudha sezvaakarayirwa naJehovha, akamupa Kiriati Abha, iro Hebhuroni. (Abha akanga ari tateguru waAnaki.)
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mukati mevedzinza rokwaJudha, Joshuwa akapa Karebhu mwanakomana waJefune guta reKiriatiaribha, ndirowo reHebhuroni, sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. (Aribha iyeyu aiva baba waAnaki.)
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi wakapa Karebhu mwanakomana waJefune mugove pakati pavana vaJudha; sezvakarairwa Joshua naJehovha, akamupa Kiriati‐abha; Abha wakanga ari baba vaAnaki (ndiro Hebhuroni).
Shona 2009?
Asi wakapa Karebhu mwanakomana waJefune mugove pakati pavana vaJudha; sezvakarairwa Joshua naJehovha, akamupa Kiriati-abha; Abha wakanga ari baba vaAnaki (ndiro Hebhuroni).
Shona SUB 2002 Bible
Asi wakapa Karebhu mwanakomana waJefune mugove pakati pavana vaJudha; sezvakarairwa Joshua naJehovha, akamupa Kiriati–abha; Abha wakanga ari baba vaAnaki (ndiro Hebhuroni).