Joshua 15:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Otnieri, mŋanakomana waKenazi, munuŋuna waKarebi, akarikunda; iye akamupa mukunda wake Aksa, akaʋa mukadzi wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Otinieri mwanakomana waKenazi, munun'una waKarebhu akarikunda; saka Karebhu akamupa mwanasikana wake Akisa akava mukadzi wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Otinieri mwanakomana waKenazi munun'na waKarebhu akandorikurira. Ndokubvawo amupawo mwanasikana wake kuti ave mukadzi wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Otinieri, mwanakomana waKenazi, mun’una waKarebhu, akarikunda; iye akamupa mukunda wake Akisa, akava mukadzi wake.
Shona 2009?
Ipapo Otinieri, mwanakomana waKenazi, munun'una waKarebhu, akarikunda; iye akamupa mukunda wake Akisa, akava mukadzi wake.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Otinieri, mwanakomana waKenazi, munun'una waKarebhu, akarikunda; iye akamupa mukunda wake Akisa, akava mukadzi wake.