Joshua 16:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mugoʋe waʋana ʋaJosefa wakataŋga paJoridani paJeriko, pamvura yeJeriko kumabvazuʋa kurenje, ucitaŋga paJeriko, ndokukwira napanyika yamakomo ucienda Beti‐eri;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mugove waJosefa waitangira paJorodhani paJeriko kumabvazuva kwemvura zhinji yeJeriko, ndokukwira uchibva ikoko nomugwenga uchienda kunyika yezvikomo yeBheteri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nyika yakagoverwa vokwaJosefi, yaibvira muna Jorodhani pedyo neJeriko kumabvazuva kwematsime emvura yeJeriko zvichienda kugwenga rinobvira kuJeriko richienda kunyika yamakomo kusvikira kuBhetieri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mugove wavana vaJosefa wakatanga paJorodhani paJeriko, pamvura yeJeriko kumabvazuva kurenje, uchitanga paJeriko, ndokukwira napanyika yamakomo uchienda Bheti‐eri;
Shona 2009?
Mugove wavana vaJosefa wakatanga paJorodhani paJeriko, pamvura yeJeriko kumabvazuva kurenje, uchitanga paJeriko, ndokukwira napanyika yamakomo uchienda Bheti-eri;
Shona SUB 2002 Bible
Mugove wavana vaJosefa wakatanga paJodhani paJeriko, pamvura yeJeriko kumabvazuva kurenje, uchitanga paJeriko, ndokukwira napanyika yamakomo uchienda Bheti–eri;