Joshua 17:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kurutiʋi rwezasi nyika yakaŋga iri yaEfraimi; kurutiʋi rwokumsoro yakaŋga iri yaManase; guŋgwa waiʋa muganho wake; miganho ikaȿika kwaAsheri kumsoro, nokwaIsakari kumabvazuʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nechezasi nyika iyi yakanga iri yaEfuremu uye kurutivi rwokumusoro yakanga iri yaManase. Nyika yaManase yaisvika kugungwa uye yaiganhurana naAsheri nechokumusoro uye naIsakari kumabvazuva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nyika yokumaodzanyemba kwako ndeyokwaEfuraimu yokuchamhembe kwako ndeyokwaManase, ukuwo gungwa ririwo muganhu, kuchamhembe kwayo inondosvika kunyika yevokwaAsheru, kumabvazuva ichindoganhurana novokwaIsakari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kurutivi rwezasi nyika yakanga iri yaEfuremu; kurutivi rwokumusoro yakanga iri yaManase; gungwa waiva muganhu wake; miganhu ikasvika kwaAsheri kumusoro, nokwaIsakari kumabvazuva.
Shona 2009?
Kurutivi rwezasi nyika yakanga iri yaEfuremu; kurutivi rwokumusoro yakanga iri yaManase; gungwa waiva muganhu wake; miganhu ikasvika kwaAsheri kumusoro, nokwaIsakari kumabvazuva.
Shona SUB 2002 Bible
Kurutivi rwezasi nyika yakanga iri yaEfuremu; kurutivi rwokumusoro yakanga iri yaManase; gungwa waiva muganhu wake; miganhu ikasvika kwaAshuru kumusoro, nokwaIsakari kumabvazuva.