Joshua 17:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Zerofeadi, mŋanakomana waHeferi, mŋanakomana waGireadi, mŋanakomana waMakiri, mŋanakomana waManase, wakaŋga asinaʋanakomana, asi ʋanasikana ɓedzi; mazita aʋanasikana ʋake akaŋga ari Mara, naNoa, naHogra, naMirka, naTirza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Zerofeadhi mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, akanga asina vanakomana asi vanasikana chete. Mazita avo aiti Mara, Noa, Hogira, Mirika, naTizira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Zerofehadhi mwanakomana waHeferi mwanakomana waGireadhi mwanakomana waMakiri mwanakomana waManase, akanga asina vana vakomana achingova navasikana chete vaiti: Mahira naNowa naHogira naMirika naTiriza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Zerofeadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wakanga asina vanakomana, asi vanasikana bedzi; mazita avanasikana vake akanga ari Mara, naNoa, naHogira, naMirika, naTiriza.
Shona 2009?
Asi Zerofeadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGiriyadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wakanga asina vanakomana, asi vanasikana bedzi; mazita avanasikana vake akanga ari Mara, naNowa, naHogira, naMirika, naTiriza.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Zerofeadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGiriadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wakanga asina vanakomana, asi vanasikana bedzi; mazita avanasikana vake akanga ari Mara, naNowa, naHogira, naMirika, naTiriza.