Joshua 17:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iʋo ʋakasweɗera kumuprista Ereazari, nokunaJoshua, mŋanakomana waNuni, nokumacinda, ʋakati: Jehova wakaraira Mosesi kuti atipe nhaka pakati pehama dzeɗu; naiɀoɀo akaʋapa nhaka pakati paʋanuŋuna ʋaɓaɓa ʋaʋo, seɀakaŋga ɀarairwa naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ivo vakaenda kuna Ereazari muprista nokuna Joshua mwanakomana waNuni, nokuvatungamiri vakandoti, “Jehovha akarayira Mozisi kuti atipe nhaka pakati pehama dzedu.” Naizvozvo Joshua akavapa nhaka pamwe chete navanun'una vababa vavo, sezvakanga zvarayirwa naJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakaenda kuna vava vaiti: mupristi Ereazari naJoshuwa mwana waNunu navatungamiri vakati, “Tenzi akaudza Mosesi kuti tinofanira kupiwa nhaka pakati pehanzvadzi dzedu.” Naizvozvo sokutaura kwakaita Tenzi akavapa nhaka pakati pavakoma navanun'una vababa vavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ivo vakaswedera kumupristi Ereazari, nokuna Joshua, mwanakomana waNuni, nokumachinda, vakati, “Jehovha wakaraira Mosesi kuti atipe nhaka pakati pehama dzedu;” naizvozvo akavapa nhaka pakati pavanunguna vababa vavo, sezvakanga zvarairwa naJehovha.
Shona 2009?
Ivo vakaswedera kumuprista Ereazari, nokuna Joshua, mwanakomana waNuni, nokumachinda, vakati, "Jehovha wakaraira Mozisi kuti atipe nhaka pakati pehama dzedu;" naizvozvo akavapa nhaka pakati pavanun'una vababa vavo, sezvakanga zvarairwa naJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Ivo vakaswedera kumupristi Eriazari, nokuna Joshua, mwanakomana waNuni, nokumachinda, vakati, “Jehovha wakaraira Mosesi kuti atipe nhaka pakati pehama dzedu;” naizvozvo akavapa nhaka pakati pavanun'una vababa vavo, sezvakanga zvarairwa naJehovha.