Joshua 17:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti ʋanasikana ʋaManase ʋakaŋga ʋanenhaka pakati paʋanakomana ʋake; nyika yeGireadi yakaŋga iri yaʋamŋe ʋanakomana ʋaManase.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
nokuti vanasikana vorudzi rwaManase vakapiwa nhaka pakati pavanakomana. Nyika yeGireadhi yakanga iri yezvimwe zvizvarwa zvose zvaManase.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
pari pamusana pokuti vanasikana ivava vokwaManase vakagoverwawo nhaka pakati pavana vokwaManase vechikomana. Nyika yeGireadhi ndiyo yakagoverwa vamwe vokwaManase.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti vanasikana vaManase vakanga vane nhaka pakati pavanakomana vake; nyika yeGireadhi yakanga iri yavamwe vanakomana vaManase.
Shona 2009?
nokuti vanasikana vaManase vakanga vane nhaka pakati pavanakomana vake; nyika yeGiriyadhi yakanga iri yavamwe vanakomana vaManase.
Shona SUB 2002 Bible
nokuti vanasikana vaManase vakanga vane nhaka pakati pavanakomana vake; nyika yeGiriadhi yakanga iri yavamwe vanakomana vaManase.