Joshua 17:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muganho waManase wakabva kwaAsheri, ndokuȿika paMikmetati, pamberi peShekemi; ɀino muganho ndokuenda kuruʋoko rworudyi, kuȿikira kuʋanhu ʋakaŋga ʋagere Eni‐tapua.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nyika yaManase yaitangira kuAsheri ichindosvika kuMikimetati kumabvazuva kweShekemu. Muganhu wainanga nechezasi uchibva ikoko uye waisanganisira vanhu vakanga vagere muEni Tapua.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muganhu wenyika yokwaManase iyi unobvira Asheru kusvikira kuMikimetati kumabvazuva kweShekemu wodzika kumaodzanyemba kuvanhu vokuEnitapua.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muganhu waManase wakabva kwaAsheri, ndokusvika paMikimetati, pamberi peShekemu; zvino muganhu ndokuenda kuruoko rworudyi, kusvikira kuvanhu vakanga vagere Eni‐tapua.
Shona 2009?
Muganhu waManase wakabva kwaAsheri, ndokusvika paMikimetati, pamberi peShekemu; zvino muganhu ndokuenda kuruoko rworudyi, kusvikira kuvanhu vakanga vagere Eni-tapua.
Shona SUB 2002 Bible
Muganhu waManase wakabva kwaAshuru, ndokusvika paMikimetati, pamberi peShekemu; zvino muganhu ndokuenda kuruoko rworudyi, kusvikira kuvanhu vakanga vagere Eni–tapua.