Joshua 18:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋaRevi haʋanomugoʋe pakati penyu; nokuti ʋuprista bgaJehova ndiyo nhaka yaʋo; ɀino ʋaGadi naʋaRubeni, nehafu yorudzi rwaManase ʋakapiwa nhaka yaʋo mhiri kwaJoridani kumabvazuʋa, yaʋakaŋga ʋapiwa naMosesi muranda waJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro hazvo, vaRevhi havawani mugove pakati penyu, nokuti uprista hwaJehovha ndihwo nhaka yavo. Uye Gadhi, Rubheni norudzi rwehafu rwaManase vakapiwa kare nhaka yavo kumabvazuva kweJorodhani. Mozisi muranda waJehovha ndiye akavapa nhaka iyoyo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi vaRevhi havana mugove wenyika wavanowana pakati penyu nokuti upristi hwaTenzi ndonhaka yavo. Kana vari vokwaGadhi nevokwaRubheni nechimwe chikamu chevokwaManase vakatogoverwa kare nhaka yavo naMosesi muranda waTenzi, kumabvazuva kumhiri kwaJorodhani.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti vaRevhi havano mugove pakati penyu; nokuti upristi hwaJehovha ndiyo nhaka yavo; zvino vaGadhi navaRubheni, nehafu yorudzi rwaManase vakapiwa nhaka yavo mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, yavakanga vapiwa naMosesi muranda waJehovha.”
Shona 2009?
Nokuti vaRevhi havano mugove pakati penyu; nokuti uprista hwaJehovha ndiyo nhaka yavo; zvino vaGadhi navaRubheni, nehafu yorudzi rwaManase vakapiwa nhaka yavo mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, yavakanga vapiwa naMozisi muranda waJehovha."
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti vaRevhi havana mugove pakati penyu; nokuti upristi hwaJehovha ndiyo nhaka yavo; zvino vaGadhi navaRubheni, nehafu yorudzi rwaManase vakapiwa nhaka yavo mhiri kwaJodhani kumabvazuva, yavakanga vapiwa naMosesi muranda waJehovha.”