Joshua 18:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarume aʋo ʋakasimuka, ʋakaenda; Joshua akaraira iʋaʋo ʋakaenda kundorondedzera nyika, akati: Endai, mufambe nenyika, muirondedzere, mugodzokera kwandiri, ndikukandirei mijenya pano pamberi paJehova paShiro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume vakati vaenda kundotara muganhu wenyika, Joshua akavarayira achiti, “Endai mundoshora nyika mugonyora rondedzero yayo. Ipapo mugodzoka kwandiri, uye ndichakukandirai mujenya pano paShiro pamberi paJehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume vokundomema nyika vakasimuka vakapinda munzira. Joshuwa akavakomera achiti, “Chiendai mufambe nyika yose iyoyo muchiimema, muchinyora mamiriro ayakaita mugozodzoka kuno kwandiri ndikuitirei chin'ange pano paShiro pana Tenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varume avo vakasimuka, vakaenda; Joshua akaraira ivavo vakaenda kundorondedzera nyika, akati, “Endai, mufambe nenyika, muirondedzere, mugodzokera kwandiri, ndikukandirei mijenya pano pamberi paJehovha paShiro.”
Shona 2009?
Zvino varume avo vakasimuka, vakaenda, Joshua akaraira ivavo vakaenda kundorondedzera nyika, akati, "Endai, mufambe nenyika, muirondedzere, mugodzokera kwandiri, ndikukandirei mijenya pano pamberi paJehovha paShiro."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varume avo vakasimuka, vakaenda; Joshua akaraira ivavo vakaenda kundorondedzera nyika, akati, “Endai, mufambe nenyika, muirondedzere, mugodzokera kwandiri, ndikukandirei mijenya pano pamberi paJehovha paShiro.”