Joshua 19:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mugoʋe wecipiri wakapiwa Simeoni, irwo rudzi rwaʋana ʋaSimeoni nemhuri dzaʋo; nhaka yaʋo yakaŋga iri pakati penhaka yaʋana ʋaJuda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mugove wechipiri wakapiwa kuna Simeoni, imba neimba. Nhaka yavo yakanga iri pakati penyika yavaJudha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mugove wakapiwa vedzinza rokwaSimeoni mhuri nemhuri ndiwo wakatevera kubuda pachin'ange. Vakagoverwa nyika yenhaka yavo mukati menyika yedzinza rokwaJudha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mugove wechipiri wakapiwa Simeoni, irwo rudzi rwavana vaSimeoni nemhuri dzavo; nhaka yavo yakanga iri pakati penhaka yavana vaJudha.
Shona 2009?
Mugove wechipiri wakapiwa Simiyoni, irwo rudzi rwavana vaSimiyoni nemhuri dzavo; nhaka yavo yakanga iri pakati penhaka yavana vaJudha.
Shona SUB 2002 Bible
Mugove wechipiri wakapiwa Simioni, irwo rudzi rwavana vaSimioni nemhuri dzavo; nhaka yavo yakanga iri pakati penhaka yavana vaJudha.