Joshua 19:47 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi nyika yaʋana ʋaDani yakaŋga iri ɗukusa; naiɀoɀo ʋana ʋaDani ʋakandorwa neReshemi, ʋakarikunda, ʋakariparadza neminondo inopinza, ʋakapiwa guta iro, ʋakagara’mo; ʋakatumidza Reshemi zita rinonzi Dani, zita raɓaɓa ʋaʋo Dani.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
(Asi vana vaDhani vakaomerwa nokutora nyika yavo, saka vakaenda vakandorwisa Reshemi, vakaitora, vakaibaya nomunondo, ndokugara mairi. Vakagara muReshemi ndokuitumidza kuti Dhani zita ratateguru wavo.)
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vedzinza rokwaDhani pavakarasikirwa nenyika yavo, vakandorwisa guta reReshemu. Vakarikurira vakauraya namapakatwa vanhu vomo, vakariita ravo. Vakatumidza guta iri reReshemu zita ratateguru wavo rokuti Dhani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi nyika yavana vaDhani yakanga iri dukusa; naizvozvo vana vaDhani vakandorwa neReshemi, vakarikunda, vakariparadza neminondo inopinza, vakapiwa guta iro, vakagaramo; vakatumidza Reshemi zita rinonzi Dhani, zita rababa vavo Dhani.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible