Joshua 19:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nhaka yaʋana ʋaSimeoni yakaŋga yatorwa pamugoʋe waʋana ʋaJuda, nokuti mugoʋe waʋana ʋaJuda wakaŋga uri mukurusa; naiɀoɀo ʋana ʋaSimeoni ʋakapiwa nhaka pakati penhaka yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nhaka yavaSimeoni yakanga yatorwa pamugove waJudha, nokuti mugove waJudha wakanga wakanyanya kupfuura zvavaida. Saka vaSimeoni vakapiwa nhaka mukati menyika yaJudha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nyika yenhaka yevedzinza rokwaSimeoni yaiva mukati menyika yenhaka yevokwaJudha nokuti mugove wevokwaJudha wakanga wakakurisa kwavari. Saka vedzinza rokwaSimeoni vakazowana nhaka yenyika mukati menyika yenhaka yevokwaJudha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nhaka yavana vaSimeoni yakanga yatorwa pamugove wavana vaJudha, nokuti mugove wavana vaJudha wakanga uri mukurusa; naizvozvo vana vaSimeoni vakapiwa nhaka pakati penhaka yavo.
Shona 2009?
Nhaka yavana vaSimiyoni yakanga yato rwa pamugove wavana vaJudha, nokuti mugove wavana vaJudha wakanga uri mukurusa; naizvozvo vana vaSimiyoni vakapiwa nhaka pakati penhaka yavo.
Shona SUB 2002 Bible
Nhaka yavana vaSimioni yakanga yatorwa pamugove wavana vaJudha, nokuti mugove wavana vaJudha wakanga uri mukurusa; naizvozvo vana vaSimioni vakapiwa nhaka pakati penhaka yavo.