Joshua 2:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Joshua, mŋanakomana waNuni, wakatuma ʋarume ʋaʋiri pakaʋanda, ʋacibva Shitimi, kuti ʋandoshora, aciti: Endai mundotarira nyika neJeriko. Ʋakaenda, ʋakapinda muimba yecifeʋe, cainzi Rakabi, ʋakaʋata’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Joshua mwanakomana waNuni akatuma vashori vaviri muchivande kubva kuShitimu. Akati, “Endai munotarisa nyika, kunyanya Jeriko.” Naizvozvo vakaenda vakandopinda mumba mechifeve chainzi Rahabhi vakagaramo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Joshuwa, mwanakomana waNuni, akatuma varume vaviri vachibva kuShitimu kundosora muchiverevere achiti, “Endai mundoongorora nyika iyo, zvikurukuru muongorore Jeriko.” Vakaenda, vakasvikira mumba mepfambi yainzi Rahabhu, vakararamo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakatuma varume vaviri pakavanda, vachibva Shitimi, kuti vandoshora, achiti, “Endai mundotarira nyika neJeriko.” Vakaenda, vakapinda muimba yechifeve, chainzi Rakabhi, vakavatapo.
Shona 2009?
Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakatuma varume vaviri pakavanda, vachibva Shitimi, kuti vandoshora, achiti, "Endai mundotarira nyika neJeriko." Vakaenda, vakapinda muimba yechifeve, chainzi Rakabhi, vakavatapo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakatuma varume vaviri pakavanda, vachibva Shitimi, kuti vanosora, vachiti, “Endai mundotarira nyika neJeriko.” Vakaenda, vakapinda muimba yechifeve, chainzi Rahabhu, vakavatapo.