Joshua 2:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaʋari: Tizirai henyu kumakomo, kuti ʋateʋeri ʋarege kusoŋgana nemi, muʋande’po mazuʋa matatu, kuȿikira ʋateʋeri ʋadzoka; pashure muŋgaenda henyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino akati kwavari, “Endai kumakomo kuitira kuti vateveri varege kukuwanai. Muvande ikoko kwamazuva matatu kusvikira vadzoka, mozoenda henyu nenzira yenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mukadzi uyu akavati, “Endai kumakomo kuti murege kuwanikwa novokuronda. Vandai ikoko kwamazuva matatu kusvikira vokuronda vacho vadzoka mozoenda zvenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwavari, “Tizirai henyu kumakomo, kuti vateveri verege kusangana nemi, muvandepo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; pashure mungaenda henyu.”
Shona 2009?
Akati kwavari, "Tizirai henyu kumakomo, kuti vateveri verege kusangana nemi, muvandepo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; pashure mungaenda henyu."
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwavari, “Tizirai henyu kumakomo, kuti vateveri verege kusangana nemi, muvandepo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; pashure mungaenda henyu.”