Joshua 2:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino aninani unoɓuɗa kunze kwemikoʋa yeimba vako, ropa rake ricaʋa pamsoro pomusoro wake, asi isu hatiŋgaʋi nemhoȿa; aninani unewe mumba mako, ropa rake ricaʋa pamsoro pemisoro yeɗu, kana akaitirwa ɀakaipa noruʋoko rwomunhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ani naani anobuda mumba mako achienda panze, ropa rake richava pamusoro wake, isu hatizova nemhosva. Asi wose anenge ari mumba pamwe chete newe, ropa rake richava pamisoro yedu kana pakangowana anomubata chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuwana anobuda mumba mako imomo achitoenda zvake panze munzira, rufu rwake ndorwokuzviparira, haizovi mhosva yedu. Asi kana kukangourayiwa ani zvake anenge anewe mumba mako, mhosva ndeyedu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ani naani unobuda kunze kwemikova yeimba yako, ropa rake richava pamusoro pomusoro wake, asi isu hatingavi nemhosva; ani naani unewe mumba mako, ropa rake richava pamusoro pemisoro yedu, kana akaitirwa zvakaipa noruoko rwomunhu.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible