Joshua 20:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti munhu wakaʋuraya mumŋe nokusaziʋa kana asina‐kuita nobgoni, atizire’po; acaʋa kwamuri ʋutiziro pamutsiʋi weropa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kuitira kuti ani naani anouraya munhu netsaona uye asina kuita namaune, agone kutizira ikoko uye adzivirirwe kumutsivi weropa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndeekuti munhu anenge auraya mumwe zvetsaona kana mukusaziva atizire ikoko. Achava nzvimbo dzenyu dzokupotera kuti mudzivirirwe kuhama yomufi ine basa rokutsividza ropa romushakabvu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti munhu wakauraya mumwe nokusaziva kana asina kuita nobwoni, atizirepo;’ achava kwamuri utiziro pamutsivi weropa.
Shona 2009?
kuti munhu wakauraya mumwe nokusaziva kana asina kuita nobwoni, atizirepo;' achava kwamuri utiziro pamutsivi weropa.
Shona SUB 2002 Bible
kuti munhu wakauraya mumwe nokusaziva kana asina kuita maune, atizirepo;’ achava kwamuri utiziro pamutsivi weropa.