Joshua 20:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana mutsiʋi weropa aciŋge amuteʋera, haʋafaniri kuisa muʋurayi paruʋoko rwake, nokuti wakaʋuraya wokwake asiŋgaiti nobgoni, asina‐kumuʋeŋga kare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo kana mutsivi weropa akamutevera, havafaniri kutendera muurayi kuti amubate nokuti akauraya wokwake asingaiti namaune uye asinazve kumuvenga kubva kare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana uya ane basa rokutsividza ropa romushakabvu akamuronda, havafanire kuisa nyakuuraya mumwe mumaoko ake nokuti akauraya mumwe wake mukusaziva asina kumbenge achivengana naye kare.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana mutsivi weropa achinge amutevera, haafaniri kuisa muurayi paruoko rwake, nokuti wakauraya wokwake asingaiti nobwoni, asina kumuvenga kare.
Shona 2009?
Zvino kana mutsivi weropa achinge amutevera, haafaniri kuisa muurayi paruoko rwake, nokuti wakauraya wokwake asingaiti nobwoni, asina kumuvenga kare.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana mutsivi weropa achinge amutevera, haafaniri kuisa muurayi paruoko rwake, nokuti wakauraya wokwake asingaiti maune, asina kumuvenga kare.