Joshua 20:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iye unofanira kugara muguta iro, kuȿikira amira pamberi peʋuŋgano atoŋgwe, kuȿikira pakufa kwomuprista mukuru ucaʋa’po namazuʋa iwayo; ipapo muʋurayi unofanira kudzoka, aende kuguta rake nokumba kwake, kuguta kwaakaŋga atiza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye anofanira kugara muguta iroro kusvikira amira pamberi peungano uyezve kusvikira muprista ari kushumira panguva iyoyo afa. Ipapo angazodzokera kumusha kwake kwaakanga atiza.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Acharamba ari muguta imomo kudzamara mhosva yake yapinda mudare atotongwa kana kuti kusvikira panofa mupristi mukuru wenguva iyoyo. Panenge padaro, nyakuuraya mumwe uya anogona zvake kuzodzokera kuguta rokwake, kumusha kwake kuguta kuya kwaakambotiza.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino iye anofanira kugara muguta iro, kusvikira amira pamberi peungano atongwe, kusvikira pakufa kwomupristi mukuru uchavapo namazuva iwayo; ipapo muurayi anofanira kudzoka, aende kuguta rake nokumba kwake, kuguta kwaakanga atiza.”
Shona 2009?
Zvino iye anofanira kugara muguta iro, kusvikira amira pamberi peungano atongwe, kusvikira pakufa komuprista mukuru uchavapo namazuva iwayo; ipapo muurayi anofanira kudzoka, aende kuguta rake nokumba kwake, kuguta kwaakanga atiza."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino iye anofanira kugara muguta iro, kusvikira amira pamberi peungano atongwe, kusvikira pakufa kwoMupristi Mukuru uchavapo namazuva iwayo; ipapo muurayi anofanira kudzoka, aende kuguta rake nokumba kwake, kuguta kwaakanga atiza.”