Joshua 20:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiwo maguta akatsaurirwa ʋana ʋaIsraeri ʋose, naʋatorwa ʋaigara pakati paʋo, kuti aninani unoʋuraya munhu nokusaziʋa atizire’ko, arege kufa noruʋoko rwomutsiʋi weropa, kuȿikira amira pamberi peʋuŋgano.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
MuIsraeri upi zvake kana mutorwa aigona kutizira hake kumaguta akatsaurwa uye aisazourayiwa nomutsivi weropa asati ambomiswa pamberi peungano.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Maguta iwaya ndiwo akasarudzirwa vaIsiraeri vose pamwechete navatorwa vavagere navo okuti munhu anouraya mumwe mukusaziva awane kwokupotera arege kuurayiwa nouya ane basa rokutsividza ropa romuchakabvu kusvikira mhosva yake yapinda mudare yatongwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndiwo maguta akatsaurirwa vana vaIsiraeri, vose navatorwa vaigara pakati pavo, kuti ani naani unouraya munhu nokusaziva atizireko, arege kufa noruoko rwomutsivi weropa, kusvikira amira pamberi peungano.
Shona 2009?
Ndiwo maguta akatsaurirwa vana vaIsiraeri, vose navatorwa vaigara pakati pavo, kuti ani naani unouraya munhu nokusaziva atizireko, arege kufa noruoko rwomutsivi weropa, kusvikira amira pamberi peungano.
Shona SUB 2002 Bible
Ndiwo maguta akatsaurirwa vana VaIsiraeri, vose navatorwa vaigara pakati pavo, kuti ani naani unouraya munhu nokusaziva atizireko, arege kufa noruoko rwomutsivi weropa, kusvikira amira pamberi peungano.