Joshua 21:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi minda yeguta, nemisha yaro, ʋakaɀipa Karebi mŋanakomana waJefune, ɀiʋe ɀake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi minda nemisha yakapoteredza guta zvakanga zvapiwa kuna Karebhu mwanakomana waJefune.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi minda yaro nemisha yaro zvakanga zvapiwa kare kuna Karebhu mwanakomana waJefune kuti zvive zvake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi minda yeguta, nemisha yaro, vakazvipa Karebhu mwanakomana waJefune, zvive zvake.
Shona 2009?
Asi minda yeguta, nemisha yaro, vakazvipa Karebhu mwanakomana waJefune, zvive zvake.
Shona SUB 2002 Bible
Asi minda yeguta, nemisha yaro, vakazvipa Karebhu mwanakomana waJefune, zvive zvake.