Joshua 21:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋana ʋaGershoni, ʋemhuri dzaʋaRevi, ʋakaʋapa Gorani namafuro aro, raiʋa guta roʋutiziro romuʋurayi, pakati pehafu yorudzi rwaManase, neBeeshtera namafuro aro; maguta maʋiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dzimba dzavaRevhi dzokwaGerishoni dzakapiwa: kubva kurudzi rwehafu rwaManase, Gorani muBhashani (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu) neBhe Eshitara, pamwe chete namafuro awo, maguta maviri;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaRevhi vemhuri yokwaGerishoni vakagoverwa maguta mune chimwe chikamu chevedzinza raManase anoti: guta reGorani rokuBhashani namafuro aro, rokuti munhu anenge auraya mumwe awane kwokupotera kwouya Beeshitera namafuro aro, aiva maguta maviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vana vaGerishoni, vemhuri dzavaRevhi, vakavapa Gorani namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, pakati pehafu yorudzi rwaManase, neBhesheitera namafuro aro; maguta maviri.
Shona 2009?
Vana vaGerishoni, vemhuri dzavaRevhi, vakavapa Gorani namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, pakati pehafu yorudzi rwaManase, neBhesheitera namafuro aro; maguta maviri.
Shona SUB 2002 Bible
Vana vaGerishoni, vemhuri dzavaRevhi, vakavapa Gorani namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, pakati pehafu yorudzi rwaManase, neBhesheitera namafuro aro; maguta maviri.