Joshua 21:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Napakati porudzi rwaNaftari, Kedeshi muGarirea namafuro aro, raiʋa guta roʋutiziro romuʋurayi, neHamoti‐dori namafuro aro, neKartani namafuro aro; maguta matatu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kubva kurudzi rwaNafutari, Kedheshi muGarirea (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu), Hamoti Dhori neKaritani, pamwe chete namafuro awo, maguta matatu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mudzinza rokwaNafutari vakapiwa maguta aya anoti: Kedheshi riri kuGarirea namafuro aro, rokuti munhu anenge auraya mumwe awane, kwokupotera, kwouya guta reHamatidhori namafuro aro, neKaritani namafuro aro, ose pamwechete aiva maguta matatu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Napakati porudzi rwaNafutari, Kedheshi muGarirea namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, neHamoti‐dhori namafuro aro, neKaritani namafuro aro; maguta matatu.
Shona 2009?
Napakati porudzi rwaNafutari, Kedheshi muGariri namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, neHamoti-dhori namafuro aro, neKaritani namafuro aro; maguta matatu.
Shona SUB 2002 Bible
Napakati porudzi rwaNafutari, Kedheshi muGareriya namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, neHamoti–dhori namafuro aro, neKaritani namafuro aro; maguta matatu.