Joshua 21:44 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akaʋazorodza kumatiʋi ose, pose paakaŋga apikira madziɓaɓa aʋo; hakunomunhu kuʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋose wakamira pamberi paʋo; asi Jehova wakaisa ʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋose pamaʋoko aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akavapa zororo kumativi ose, sezvaakanga apikira madzitateguru avo. Hapana kana muvengi wavo mumwe chete akamira pamberi pavo; Jehovha akaisa vavengi vavo vose mumaoko mavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akavapa runyararo kumative ose sokutsidza kwaakaita kumadzibaba avo. Hakuna kana nomumwe wavavengi vavo akagona kumirisana navo nokuti Tenzi akaisa vavengi vavo vose mumaoko avo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akavazorodza kumativi ose, pose paakanga apikira madzibaba avo; hakuna munhu kuvavengi vavo vose wakamira pamberi pavo; asi Jehovha wakaisa vavengi vavo vose pamaoko avo.
Shona 2009?
Jehovha akavazorodza kumativi ose, pose paakanga apikira madzibaba avo; hakuna munhu kuvavengi vavo vose wakamira pamberi pavo; asi Jehovha wakaisa vavengi vavo vose pamaoko avo.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akavazorodza kumativi ose, pose paakanga apikira madzibaba avo; hakuna munhu kuvavengi vavo vose wakamira pamberi pavo; asi Jehovha akaisa vavengi vavo vose pamaoko avo.