Joshua 22:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakanzwa, ɀicinzi: Tarirai, ʋana ʋaRubeni naʋana ʋaGadi nehafu yorudzi rwaManase ʋaʋaka artari pakatarisana neKanani, panyika yapaJoridani, kurutiʋi rwaʋana ʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vaIsraeri vakati vanzwa kuti vakanga vavaka aritari pamuganhu weKenani paGeriroti pedyo neJorodhani kudivi reIsraeri,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazvakasvika munzeve dzavamwe vavo vaIsiraeri zvichinzi, “Hezvoka, vokwaRubheni nevokwaGadhi vaya nechimwe chikamu chevedzinza rokwaManase chiya vavaka atari kumuganhu wenyika yeKanani kunharaunda yokunaJorodhani kumhiri ino munyika yavaIsiraeri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vana vaIsiraeri vakanzwa, zvichinzi, “Tarirai, vana vaRubheni navana vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vavaka atari pakatarisana neKenani, panyika yapaJorodhani, kurutivi rwavana vaIsiraeri.”
Shona 2009?
Zvino vana vaIsiraeri vakanzwa, zvichinzi, "Tarirai, vana vaRubheni navana vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vavaka aritari pakaritarisana neKenani, panyika yapaJorodhani, kurutivi rwavana vaIsiraeri. "
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vana VaIsiraeri vakanzwa, zvichinzi, “Tarirai, vana vaRubheni navana vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vavaka atari pakatarisana neKenani, panyika yapaJodhani, kurutivi rwavana VaIsiraeri.”