Joshua 22:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi neʋuŋgano yaJehova: Kuɗarika uku kwamakaɗarikira Mŋari waIsraeri nako kwakaɗiniko, nokuti munotsauka nhasi pakuteʋera Jehova, ɀamakaɀiʋakira artari, kuti mumukire Jehova nhasi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ungano yose yaJehovha inoti, ‘Makarasirei kutenda muna Mwari waIsraeri sezvizvi? Mungadzokera shure seiko muchibva kuna Jehovha mukazvivakira aritari muchimumukira zvino.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Chinzwai zvarehwa negungano rose raTenzi, zvanzi, ‘Ko madarirei kupandukira Mwari wavaIsiraeri kudai, motsauka kuna Tenzi nhasi nokutozvivakira zvenyu atari muchipandukira Tenzi?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvanzi neungano yaJehovha, ‘Kudarika uku kwamakadarikira Mwari waIsiraeri nako kwakadiniko, nokuti munotsauka nhasi pakutevera Jehovha, zvamakazvivakira atari, kuti mumukire Jehovha nhasi?’
Shona 2009?
"Zvanzi neungano yaJehovha, `Kudarika uku kwamakadarikira Mwari waIsiraeri nako kwakadiniko, nokuti munotsauka nhasi pakutevera Jehovha, zvamakazvivakira aritari, kuti mumukire Jehovha nhasi?'
Shona SUB 2002 Bible
“Zvanzi neungano yaJehovha, ‘Kudarika uku kwamakadarikira Mwari waIsiraeri nako kwakadiniko, nokuti munotsauka nhasi pakutevera Jehovha, zvamakazvivakira atari, kuti mumukire Jehovha nhasi?’