Joshua 22:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akati kwaʋari: Makaita ɀose ɀamakarairwa naMosesi muranda waJehova, nokuterera ʋo inzwi raŋgu paɀose ɀandakakurairai;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
akati kwavari, “Makaita zvose zvamakarayirwa naMozisi muranda waJehovha uye makateerera zvose zvandakakurayirai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
akavati, “Makachengeta zvose zvamakaudzwa naMosesi muranda waTenzi, mukanditeerera pane zvose zvandakakuudzai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akati kwavari, “Makaita zvose zvamakarairwa naMosesi muranda waJehovha, nokutererawo izwi rangu pazvose zvandakakurairai;
Shona 2009?
akati kwavari, "Makaita zvose zvamakarairwa naMozisi muranda waJehovha, nokuteererawo inzwi rangu pazvose zvandakakurairai;
Shona SUB 2002 Bible
akati kwavari, “Makaita zvose zvamakarairwa naMosesi muranda waJehovha, nokuteererawo izwi rangu pazvose zvandakakurairai;