Joshua 22:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
aziʋe kana tisina‐kuita cinhu ici nokucenjera ʋuye nokufuŋga, ticiti: Ɀimŋe paŋguʋa inoʋuya ʋana ʋenyu ʋacataura naʋana ʋeɗu, ʋaciti: Imi munemhaka yeiko naJehova Mŋari waIsraeri?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kwete! Takazviita tichitya kuti rimwe zuva zvizvarwa zvenyu zvichazoti kuzvizvarwa zvedu, ‘Mune chii chokuita naJehovha Mwari waIsraeri?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Aiwa. Takangozviita tichityira kuti, mune ramangwana vana venyu vanozokonora vana vedu vachiti, ‘Muneiwo zvenyu naTenzi, Mwari wavaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
azive kana tisina kuita chinhu ichi nokuchenjera uye nokufunga, tichiti, ‘Zvimwe panguva inouya vana venyu vachataura navana vedu,’ vachiti, ‘Imi mune mhaka yeiko naJehovha Mwari waIsiraeri?’
Shona 2009?
azive kana tisina kuita chinhu ichi nokuchenjera uye nokufunga, tichiti, `Zvimwe panguva inouya vana venyu vachataura navana vedu,' vachiti, 'imwi mune mhaka yeiko naJehovha Mwari waIsiraeri?'
Shona SUB 2002 Bible
azive kana tisina kuita chinhu ichi nokuchenjera uye nokufunga, tichiti, ‘Zvimwe panguva inouya vana venyu vachataura navana vedu,’ vachiti, ‘Imi mune mhaka yeiko naJehovha Mwari waIsiraeri?’