Joshua 22:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Jehova wakaita Joridani muganho pakati peɗu nemi, imi ʋana ʋaRubeni naʋana ʋaGadi; hamunomugoʋe kunaJehova; naiɀoɀo ʋana ʋenyu ʋaŋgaregesa ʋana ʋeɗu kutya Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akaita kuti Jorodhani uve muganhu pakati pedu nemi, imi vaRubheni navaGadhi! Hamuna mugove muna Jehovha.’ Saka zvizvarwa zvenyu zvingangokonzera kuti zvizvarwa zvedu zvirege kutya Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Handiti Tenzi akaisa Jorodhani urwu kuti ruve muganhu pakati pedu nemi vokwaRubheni nevokwaGadhi, chenyu muna Tenzi hapana.’ Saka vana venyu vangazoregesa vana vedu kunamata Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Jehovha wakaita Jorodhani muganhu pakati pedu nemi, imi vana vaRubheni navana vaGadhi; hamuna mugove kuna Jehovha; naizvozvo vana venyu vangaregesa vana vedu kutya Jehovha.
Shona 2009?
Nokuti Jehovha wakaita Jorodhani muganhu pakati pedu nemi, imwi vana vaRubheni navana vaGadhi; hamuna mugove kuna Jehovha; naizvozvo vana venyu vangaregesa vana vedu kutya Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Jehovha akaita Jodhani muganhu pakati pedu nemi, imi vana vaRubheni navana vaGadhi; hamuna mugove kuna Jehovha; naizvozvo vana venyu vangaregesa vana vedu kutya Jehovha.